Zvekuita kana uchinge wabatwa chibharo
- Taurira munhu waunoziva nekuvimba naye
- Enda kuchipatara nekukurimidza kana kuti maawa makumi manomwe nemaviri asati apfuura (72 hours) kana kuti (3 days) kuti ukwanise kuwana rubatsiro runotevera pachena.
- kuongororwa utachiona hweHIV nekupihwa mishonga yekudzivirira kubata HIV.
- mishonga yekudzivirira nekurapa zvirwere zvepabonde
- mishonga yekudzivirira kubata pamuviri
- kutorwa umbowo uye kuongororwa utano uye kuongororwa utano zvingazodiwa kumatare edzimhosva
Kubatwa chibharo chiitiko chinoshungurudza pfungwa. Kupangwa mazano kunoitwa pachipatara kunodzivirira matambudziko ehutano hwepfungwa angaitike nekufamba kwenguva.
Zvekusaita
- Kugeza muviri
- kuwacha kana kurasa nhumbi dzawanga wakapfeka pawabata chibharo
- kungogara kumba uchiedza kukanganwa nezvazvo
KuAdult Rape Clinic kunowanikwa rubatsiro rwevese vanenge vabatwa chibharo chero vezera ripi neripi.
Kiriniki iyi inopa rubatsiro rwakakodzera kune anenge abatwa chibharo.
Parizvino kiriniki iyi inovhurwa kubva 08-00- 1630hrs Muvhuro kusvika Chishanu.
Mugovera neSvondo, nepamazororo makuru ARC inenge yakavharwa asi zvisinei, rubatsiro rwunowanikwa ku Casualty Department yekuParirenyatwa uye neku Harare Hospital
Runhare rwedu runoti +263 242 793572
+263 775 672 770